Dingindira revhiki yekucherechedza zvinyorwa zvedzidzo zvinowanikwa pasina muripo unobviswa regore ra2025 rinobvunza “Ndiani muridzi wekuziva kwedu?”

“Ndiani muridzi wekuziva kwedu?” ndiro dingindira rekucherechedzwa kwevhiki rezvinyorwa zvinoburitswa pasina mubhadharo pasi rose regore rino (Gumiguru 20-26). Dingindira regore rino rinobvunza mubvunzo wakadzama pamusoro penguva yatiri kurarama mairi uye kuti munguva yematambudziko, nharaunda dzingazvigadzirire sei kuchengetedza ruzivo rwadzinogadzira. Dingindira iri rinotikokawo kuti tifungisise pamusoro penyaya yekuti ndiani ane mukana wedzidzo neruzivo, uye kuti ruzivo irworwo rwakatangira kupi, rwakagovaniswa sei, uye kuti ndeapi mazwi arikunzwikwa uye ari kukosheswa.

Dingindira iri rinovaka kubva mukukurukura, uye zviitiko zvakaitwa kwemakore maviri apfuura zvakatarisa pakumisikidza “Kukoshesa nharaunda kudarika pekutengeserana.” Munguva iyi, takaita budiriro huru mukuita izvi. Nzira dzakatarisana nenharaunda, dzakadai sekuvepo kwezviverengwa pasina muripo kuvanyori kana vaverengi uye kubhadharwa kwekuti zviverengwa zvedzidzo zviwanikwe pachena zvakawedzera zvakanyanya. Pane kuwedzera kwehuwandu hwemasangano anofunga nezvekuvandudza zvinyorwa zvedzidzo yakasiya zvinyorwa zvinotengeswa vachiita zvisina mubhadharo kuti vanhu vakwanise kuzviverenga. Masangano mazhinji ari kurega kushandisa zviverengwa zvedzidzo zvinobhadharwa uye nzira dzekuyera vadzidzisi kuvasimudzira pabasa, kuburikidza nekunyora zvisina mubhadharo zvinoita kuti vagoverane ruzivo. Tiri kuona vaongorori vakawanda vava kunzwisisa kuti zvinowanika pakunyora mapepa nemabhuku hazvingavi zvavo chete, asi ndezveruzhinji uye vanotora chikamu mukutsvagurudza kwavo.

Zvisinei nebudiriro iyi, kune njodzi dziri kusimuka dzinosimudzira mukana wekukoshesa kutengeserana kupfuura zvido zvenharaunda. Kumhanyira kuunganidza ruzivo rwechikoro kuti kudzidziswe michina inonyora nekuita sevanhu (AI), uye kushandisa AI mukufambiswa kwezvedzidzo — kazhinji pasina kutaurirana nevanonyora kana mvumo — zvinodzose mumashure kufamba kweruzivo rwedu. Kutevedzwa kwevaverengi kwaisambozikanwa mumaraibhurari echokwadi, kwava kuita zvakajairika pamapuratifomu evamwe vanoburitsa mabhuku. Zvakadaro, nzira dzinotungamirwa nenharaunda uye dzisiri dzekutengeserana dzekugovera ruzivo dzinotsigirwa neUNESCO ichikurudzira zvinyorwa zvinobuda pachena neToluca-Cape Town Declaration dzinopa nzira dzekubuda munjodzi idzi tichienda kune ramangwana rinopa vanhu nevanharaunda mukana wekuva neruzivo rwavo uye kubatsirwa naro.

Vhiki rekucherechedzwa kwezviverengwa zvisina mubhadharo mugore rino richaitwa kubva musi wa20 kusvika 26 Gumiguru; zvakadaro, munhu wese anokurudzirwa kupinda muhurukuro uye kuita zviito chero nguva yegore maererano nenguva inenge yakavakodzera. Nharaunda dzinogona kuchinja dingindira iri kuti rienderane nemamiriro edunhu ravo uye kutarisa pazvinyorwa zvine basa kwavari. Pane mifananidzo yakagadzirirwa kushambadza dingindira iri inowanikwa kuti ibatsire mukusimudzirwa kwedingindira iri munharaunda.

Dudziro dzemashoko aya mune mimwe mitauro, mifananidzo yedingindira regore rino, uye rumwe ruzivo pamusoro pevhiki iyi zvinowanikwa pa openaccessweek.org. Rupawo rwepamutemo rwevhiki iri rinoti #OAWeek.

Nezve SPARC

SPARC isangano rinozvipira kutsigira zvien chekuita nekuzaruka kweruzivo uye dzidzo, kubvumira munhu wese, kwese kwese, kuwana, kupa, uye kubatsirwa neruzivo runoumba nyika yedu. Vhiki rekupemberera zvinyorwa zvisingatengeswe pasi rose rakavambwa neSPARC pamwe nevamwe vari mumapazi evadzidzi mugore ra2008. Unogona kudzidza zvakawanda pa sparcopen.org.

Nezve vhiki rekupemberera zvinyorwa zvisingatengeswi pasi rose

Vhiki rezvinyorwa zvisina mubhadharo inguva yakakosha yekubatanidza kufambira mberi kwepasi rose pakugoverana kwekuziva nechinangwa chekuchinja mitemo uye kusimudzira nyaya dzinokosha munharaunda dzakasiyana. Chiitiko ichi chinopembererwa nevanhu, masangano, nemapoka akasiyana pasi rese, uye chinotungamirirwa neboka revatungamiriri repasi rose pachitariswa dingindira regore roga roga. Rupawo rwepamutemo rwevhiki iri unoti #OAWeek.

Previous
Previous

Lietuvių

Next
Next

Slovák