Mutengo weRuzivo ndiro dingindira regore rino rekucherechedzwa kwezvinyorwa zvinoburitswa pasina mubhadharo richaitwa muna Gumiguru gubva musi wa19 kusvika 25.

Tinogadzira nekugovera ruzivo kuitira kuwedzera kunzwisisa kwevanhu pamwe nekubatsira veruzhinji. Tinobvuma kuti kuwana nekugovera ruzivo ikodzero yemunhu wese. Asi mutengo wekuwana uye kugovera ruzivo uri kuramba uchikwira, dzimwe nguva zvakanyanya. Sei zvichidaro? Ndiani ari kubatsirikana?

Kuwedzera kwekubatana pamwe nekutongwa nezvemabhizimusi pane zvose zvezivo kunouya nemitengo. Dingindira regore rino rinotikurudzira kufungisisa nezvemitengo yemari, yevanhu, uye yezvakatipoteredza pakugadzira, kugovera, nekuchengetedza ruzivo, kunyanya kana mitengo iyi ichikonzerwa nezvido zvemakambani asiri ehurumende. Chirongwa chegore rakapera chaiva nedingindira rekuti “Ndiani muridzi wekuziva kwedu” chakafungisisa nezvechokwadi chekutengwa kweruzivo nevemabhizimusi. Dingindira regore rino riri kutarisa mutengo wezviri kuitika izvi uye nzira dzekudzorera kutonga kwezvinhu izvi kuitira kushandira veruzhinji.

Mitengo iyi inodarika zvakanyanya kukwira kwemari dzekuwana majournal nemari dzekuburitswa kwezvinyorwa kuti zviverengwe pachena. Nguva nesimba rinoiswa nevanyori zvakakosha zvakadii, vanoongorora nevapepeti mukuburitswa kwezvinyorwa uye basa iri risingabhadharwi zviri kushandira ani? Ndeupi mutengo wekusiya chikamu chikuru chevanhu pasi rose chisina mukana wakaenzana mukugadzira, kugovera, nekuchengetedza ruzivo rwavo kana kusaremekedza kodzero yevanhu? Sei zvinyorwa zvevatsvakurudzi zviri kushandiswa kudzidzisa ungwaru hwemichina pasina mvumo kana mubhadharo, uye nei nzvimbo dzekugovana ruzivo dzava kuzara nekutariswa nekuteverera kwevashandisi? Ndeupi mutengo wekupfuudzira mberi kuvakwa kwenzvimbo dzekuchengetera ruzivo kupfuura zvinodiwa nevanhu zvinosanganira magetsi nemvura?

Mamiriro aripo haana kuenzana, haana kumbova akaenzana uye kuramba aripo harusi rusarura risina kwarakarerekera. Kuvaka masisitimu ekugovera ruzivo anomirira zvakanakira nharaunda kunoda kuzvipira, munhu umwe neumwe uye tichishanda pamwe chete nevamwe.

Zvinofadza kuti pane mienzaniso yakawanda yekuti tingagadzira sei, kuchengetedza, nekugovera ruzivo sechinhu chemunhu wese. Kubva kuzvinhu zvakaita sekutenga dhata kwevanhu kusvika kumaitiro ekuburitsa zvinyorwa asingabhadharwi, asiri ezvokutenga, uye anotungamirirwa nenharaunda, pane kufambira mberi kuri kuoneka kunobata ruzivo sechinhu chinofanira kugovaniswa kwete sechinhu chekuita mari zhinji nacho. Kukosha kwemaitiro aya kwakazivikanwawo nenyika 193 pakugamuchira Zano reUNESCO pane zvesayensi yakavhurwa. Vhiki yepasi pose yekuvhura zivo inguva yekubva pakungotaura chete uye kutanga chiito chinounza shanduko munzira dzatinogoverana ruzivo, dzinoenderana nechikonzero chatinorugadzirira pekutanga.

Vhiki yekuvhura zivo yegore rino ichaitwa kubva 19 kusvika 25 Gumiguru. Zvisinei, munhu wese anokurudzirwa kuita hurukuro kana zviitiko chero nguva yegore zvichienderana nenguva yavawana. Nharaunda dzinogona kushandisa dingindira iri maererano nezvavanenge vakaronga uye kukurukura nyaya dzinonyanya kukosha kwavari. Pane mifananidzo yakagadzirwa inogona kushandiswa kushambadzira hurongwa hwezvine chekuita nedingindira regore rino.

Dudziro dzemashoko aya mune mimwe mitauro, mifananidzo yedingindira regore rino, uye rumwe ruzivo pamusoro pevhiki iyi zvinowanikwa pa openaccessweek.org. Rupawo rwepamutemo rwevhiki iri rinoti #OAWeek.

Nezve SPARC

SPARC isangano rinozvipira kutsigira zvine chekuita kuwanikwa kweruzivo uye dzidzo pachena, kubvumira munhu wese, kwese kwese, kuwana, kupa, uye kubatsirwa neruzivo runoumba nyika yedu. Vhiki rekupemberera zvinyorwa zvisingatengeswe pasi rose rakavambwa neSPARC pamwe nevamwe vari mumapazi evadzidzi mugore ra2008. Unogona kudzidza zvakawanda pa sparcopen.org.

Nezve vhiki rekupemberera zvinyorwa zvisingatengeswi pasi rose

Vhiki rezvinyorwa zvisina mubhadharo inguva yakakosha yekubatanidza kufambira mberi kwepasi rose pakugoverana kwekuziva nechinangwa chekushandura mitemo uye kusimudzira nyaya dzinokosha munharaunda dzakasiyana. Chiitiko ichi chinopembererwa nevanhu, masangano, nemapoka akasiyana pasi rese, uye chinotungamirirwa neboka revatungamiriri vepasi rose pachitariswa dingindira regore roga roga. Rupawo rwepamutemo rwevhiki iri unoti #OAWeek.

Previous
Previous

Serbian (Latin)

Next
Next

Slovak